She,Ndouya
Baptist Nziyo 64
1
Kubva mukudarika kwangu, She, ndouya; She, ndouya; Kuti ndipiwe simba renyu, Ndouya kwamuri. Kubva muzvivi zvangu zvino, Ndotsvaka kanganwiro pano, Ndifambe munzira yenyu wo, Ndouya kwamuri.
2
Kubva mumatambudziko wo, She, ndouya; She, ndouya; Ndizvipire kwamuri zvino, Ndouya kwamuri. Kubva munhamo, She, ndouya, Mungatakure kufunganya; Vanhu vose ndichazivisa, Ndouya kwamuri.
3
Kubva mukutya kwangu, Jesu She, ndouya; She, ndouya; Ndipiwe kunyaradza kwenyu, Ndouya kwamuri. Ndinonetswa naSatan’ pano, Bva mungandisimbise zvino, Ndikunde nomunyengetero, Ndouya kwamuri.
4
Kubva mukusuwa kwangu wo, She, ndouya; She, ndouya; Ndipiwe rugare mumwoyo, Neouya kwamuri. Zvino ndichafamba nemi, She, Ndiudze vose kwose kwose, Vatendeuke, vaponeswe, Ndouya kwamuri
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.