Ndianiko Anonzwa Dama raShe
Baptist Nziyo 68
1
Ndianiko anonzwa dama raShe, Fambisa-i nha-u kunyika dzose, Paridzai kuvanhu kwose kwose, Anoda ngaauye
Chorus
Uya-i zvino, uya-i zvino, Inzwa-i matama oruponeso; Baba wokudenga anoda vose, Munhu wose auye.
2
Wose anouya, asanonoke, Musuwo wazarurwa angapinde, Jesu ndiye nzira chokwadi chete, Anoda ngaauye
3
Ichokwadi, chivimbiso chaIshe, Hachingapinduki kuvanhu vose, Anopa upenyu husingaperi, Anoda ngaauye.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.