Bhaibheri

Chiedza ChaShe Chiripo

Baptist Nziyo 75

1

Nyika yose yakabatwa nezvivi, Chiedza chaShe chiripo, Chivenekere kuna vanhu vose, Chiedza chaShe chiripo.

Chorus

Uyai kuna Jesu Kristu She, Muchapiwa rufaro rwake, Zvivi zvangu zvabviswa naye, Chiedza chaShe chiripo.

2

Muna Jesu Kristu tinobatsirwa, Chiedza chaShe chiripo, Uyai kuna Jesu; muchaponeswa, Chiedza chaShe chiripo.

3

Vose vanofamba murima zvino, Chiedza chaShe chiripo, Uyai kuna Jesu; muchapiwa wo, Chiedza chaShe chiripo.

4

Kudenga tichakudza Jesu uko, Chiedza chaShe chiriko, Ngatizivisei vanhu vose pano, Chiedza chaShe chiripo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.