Ndasarudzwa NaJesu
Baptist Nziyo 87
1
Ndasarudzwa naJesu, kuti ndive wake; Iye, upenyu hwangu, ndino rudo rwake; Ndikatsaukaniswa nokuipa kwose; Ini, ndinozvipira kuna Mwari, Ishe.
2
Ndasarudzwa naJesu; anondichengeta; Ndomupa mwoyo wangu; anoushambidza; Hatingatsaukanwi; tiri mumwe chete, Nokuti ndiri Wake, ari wangu, Iye.
3
Ndasarudzwa naJesu; ndinogara naye; Ari M’ponesi wangu; watanda vavengi; Anondipa masimba pakuedzwa kwose; Naye nokuzvipira, ndingakunde zvose.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.