Bhaibheri

Ndinofara Kuti Baba Wedu

Baptist Nziyo 90

1

Ndinofara kuti Baba vedu, Vaudza rudo rwavo rukuru; Parugwaro rwavo rwakanaka, Vakandiudza Jesu wandida.

Chorus

Ndinofara Jesu wandida, Anondida; anondida. Ndinofara Jesu wandida, Ini, anondida.

2

Jesu anondida, ndinomuda, Rudo rwake rwakandinunura; Saka wakafa pamuchinjikwa. Ndinonyatsoziva, anondida.

3

Kana ndinobvunzwa, ndoiteyi? Hareruya, ndoziva chokwadi! Mweya Mutsvene unondiudza, Wopupura Jesu anondida.

4

Ndozorora mukuziva uku, Zvino ndokomborerwa naJesu; Nazvo Satani anotambudzwa, Ndichimuudza Jesu wandida.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.