Bhaibheri

Ndichaimba Nyaya Hururu

Baptist Nziyo 93

1

Ndichaimba nyaya huru, Kristu wakandifira, Akasiya musha wake Kusvika pam’chinjikwa.

Chorus

Ndichaimba nyaya huru, Kristu wakandifira, Ndichaimba navatendi, Pamwe chete kumsoro.

2

Ndarasika andiwana, Akawana makwa-i, Akandibata norudo, Akandiuyisa zve.

3

Ndarwara; andiponesa, Ndakaziya nokuwa, Kuona kwapera; ndatya, Bva andisunungura.

4

Achandichengeta, rufu Ruchisvika kwandiri; Achandiperekedza ’ko; Ndichaona shamwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.