Murapi Mukuru
Baptist Nziyo 95
1
Murapi mukuru, Jesu, Ari pedyo netsitsi; Anotifadza zvikuru, Inzwazve Muponesi.
Chorus
Rwiyo rwakanakisa Zita rakanakisa, Rumbo rwakanakisa Jesu, ndiye, Jesu.
2
Woregerwa zvakaipa, Inzwa izwi raJesu; Chienda zvako kudenga, Uchagadzwa naJesu.
3
Ngaritendwe wo Gwaiana, Zvino ndom’tenda Jesu; Zita rake, ndinorida, Ndoda zita raJesu.
4
Kutya kwangu kwaparadzwa, Nezita rake chete; Mweya wangu unofara NaJesu, zita rake,
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.