Bhaibheri

Uyo Hake Akatsunga

Catholic · Nziyo · 1036

J. Kaseke

Chorus

M: S/A Uyo hake akatsunga achadzikwa ndaza youkundi mumusoro make V: S/A Uyo hake akatsunga achadzikwa ndaza youkundi mumusoro make inova ndiyo chipo choupenyu chakapikirwa avo vanorudo naMambo B --- Uyo hake akatsungarara achadzikwa ndaza youkundi mumusoro make --- ndiyo chipo choupenyu chakapikirwa avo vanorudo naMambo

Chorus

S/A Naizvozvo fananai nenyoka mukuchenjera muite senjiva mukasanyengedza muchenjere nokuti vanhu vachakuturiraiwo mumaoko amakurukota amatare avo B --- Fananai nenyoka mukuchenjera --- senjiva mukasanyengedza --- no kuti vanhu vachakuturiraiwo mumaoko amakurukota amatare avo

Chorus

S/A Nokuti nenguva yakare iyoyo muchapiwa zvamuchataura naMweya ha musiri imi munotaura asi Mweya, Mweya waBaba venyu ndiwo unotaura nomamuri B --- Nenguva yakare iyoyo muchapiwa zvamuchataura naMweya hamusiri imi munotaura asi Mweya, Mweya waBaba venyu ndiwo uyo mweya unotaura nomamuri

1

Onaika ndinokutumai sehwai dzinotumwa mukati memhumi

2

Vachakupuraiwo mumasinagoge avo, uye muchakwidzwa pana vabati venyika

3

Napana madzimambo pamusana panguu kuti mugova zvapupu zvangu kwaari nokuna vahedheni

4

Nokuti hakuna chakafukidzwa chisingazofudugurwa, kana chakavandika chisingazozivikanwa Detembo:

5

Nezvandinokuudzai murima zvitaurei pachena, nezvamunotaurirwa nakazevezeve zvishevedzerei mumire pamatanga edzimba

Chorus

S/A Nokuti nenguva yakare iyoyo muchapihwa zvamuchataura naMweya-a, hamusiri imi munotaura, asi Mweya, Mweya waBaba venyu, ndiwo unotaura nomamuri B --- Nokuti nenguva yakare iyoyo muchapihwa zvamuchataura naMweya-a, hamusiri imi munotaura, asi Mweya, Mweya waBaba venyu, ndiwo unotaura nomamuri Detembo: 1.Regai kutya vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya, ityaiwo uyo zvikuru anogona kuparadza muviri nomweya zvose mugehena

Chorus

S/A Nokuti munhu ari wose wose anosimbira kwandiri pamberi pavanhu neniwo ndichasimbirawo kwaari pamberi paBaba vangu kudenga asi uyowo anondiramba pamberi pavanhu neniwo ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga B --- Munhu ari wose wose anosimbira kwandiri pamberi pavanhu neniwo ndichasimbira kwaari pamberi paBaba vangu kudenga uyowo anondiramba pamberi pavanhu neniwo ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.