Bhaibheri

Hosana Mwanakomana WaDavid

Catholic · Nziyo · 106

D.T. Zavazava

Chorus

M: Hosana mwanakomana waDavid Mwana waDavid V: All Samutumwa waMambo ngaarumbidzwe Nyamatengatenga

1

Uchirai imi vanhu vose

2

Pururudzirai Mwari nenzwi romufaro

3

Nokuti Mwari wokumusorosoro anotyisa

4

Ndiye Mambo mukuru wenyika yose

5

Ndiye anokundisa ndudzi dzavanhu

6

Anodziisa pasi petsoka dzake

7

Ndiye anotigovera nhaka yedu

8

Inova fuma yavanhu vaanoda

9

Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza

10

Dzishaurei nmwoyo inofara

11

Nokuti Mwari ndiye Mambo wapasi pose

12

Muimbirei mupemberei muchifara

13

Mwari anotonga vasiri veboka rake

14

Mwari agere pachigaro chake choumambo

15

Vatongi vose vari pasi paMwari

16

Anova ndiye mutongi wavo vose

Chorus

All Hosana ngaarumbidzwe Nyamatengatenga

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.