Bhaibheri

Vakazoziva Yesu Pakumedura

Catholic · Nziyo · 1075

S. Kalombo

Chorus

M: Vakazoziva Yesu pakumedura kwaakaita chingwa V: S/A Zuva rechiposhi revhiki – vadzidzi vaviri vaYesu – vakanga vachienda kuEmausi vachiri mukutaurirana Yesu pachake akasvika pavari – ofambidzana navo – meso avo akabatwa nechidzimira ndosaka vasina kumuziva T Zuva rechiposhi revhiki – vadzidzi vaviri vaYesu – vakanga vachienda kuEmausi vachiri mukutaurirana Yesu pachake akasvika pavari – ofambidzana navo – meso avo akabatwa nechidzimira ndosaka vasina kumuziva B Zuva rechiposhi revhiki – vadzidzi vaYesu –vakanga vachienda kuEmausi vakati vachitaurirana Yesu pachake akasvikapo ofambidzana navo – meso avo akabatwa nechidzimira ndosaka vasina kumuziva Part 1: All Meso avo akabatwa nechidzimira – ndosaka vasina kumuziva

1

Yesu ndokuvati ko mashoko amuri kutaurirana ndeeiko?

2

Ndiwe wega here – ndiwe wega mweni muYerusarema asingazivi zvakaitikako

3

Mwoyo yenyu ine chinono chokutenda zvose zvakarehwa navatumwa vaMwari

4

Inga zvakanyorwa mumagwaro kubva kuna Mozisi navaporofita vose Part 2:

Chorus

M: Yesu akaita so-oda kupfuurira ivo ndokumuti x2 V: S/A Madi-i magara nesu madi-i magara nesu kunze kwavira zuva rarereka x2 B Madi-i magara nesu madi-i magara nesu --- kwavira zuva rarereka x2 T --- Madiiko magara-a nesu kunze kwavira zuva rarereeka x2 Part 3: M: Kuzoti vava pakudya Yesu akatora chingwa Yesu akatora chingwa akachikomborera ndokuvapa kuti vadye V: S/A Meso avo akabva asvinudzwa – vakaziva kuti Kristo amuka – amuka zvechokwadi B Meso avo akabva asvinudzwa – vakaziva kuti amuka – amuka Kristo zvechokwadi T --- Akasvinudzwa meso avo ndokuziva kuti amuka Kristo zvechokwadi

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.