M.M. Munyaki
Chorus
M: Vangere vadiwa V: S Dzivaidzai mweya yerima mweya yerima dzivaidzai mweya yerima apo inenge yotakwairira rupenyu rwemiviri kana rwemweya yedu B/A Dzivaidzai mweya yerima mweya yerima dzivaidzai mweya yerima yose inenge yotakwairira rupenyu rwemiviri kana rwemweya yedu
1
Imi ndimi mazango matumwa neteve dzedu
2
Tidzivirirei kana tavirirwa nezuva panzira
3
Kuti tisavhundutswa nokukuvadzwa nezvousiku
4
Musarega misha yedu ichishanyirwa nemweya yakashata
5
Kombai misha yedu masikati nousiku
Chorus
S Apo inenge yotakwairira rupenyu rwemiviri kana rwemweya yedu B/A --- Inenge yotakwairira rupenyu rwemiviri kana rwemweya yedu
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.