Bhaibheri

Vanhu Vorudzi Rwangu

Catholic · Nziyo · 1090

J. Makaure

Chorus

M: Vanhu vorudzi rwangu ndakakuitirai chiiko? V: All Ndidavirei ndidavirei vanhu vorudzi rwangu ndakakuitirai chiiko vanhu vorudzi rwangu ndidavirei

1

Nokuti ndakakubudisa munyika yeIjipti, wakagadzirira muponesi wako chipiyaniso. He-eya!

2

Pamusoro pako ndakaranga Ijipti namatangwe ayo, asi iwe wakandipura nokundiramba. He-eya!

3

Ndakauraya Faro mugungwa java, asi iwe wakazarura rutivi rwangu nepfumo. He-eya!

4

Ndakakutungamirira ndiri mugore, asi iwe wakandikwirira padare raPirato. He-eya!

5

Ndakakugutisa nemana mumarenje, asi iwe wakandirova nembama netyava. He-eya!

6

Nokuti ndakakutungamirira muchiunde makore makumi mana: zvino iwe wakagadzirira mununuri wako chipiyaniso. He-eya!

Chorus

All Mwari musandee Mwari musande Mwari wamasimbaa timzwireiwo tsitsii

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.