Bhaibheri

VaPristi Ngavafare

Catholic · Nziyo · 1099

D. Zavazava

Chorus

M VaPristi venyu --- vasarudzwi V: S Vave nekururama --- vasarudzwi venyu ngavafare B Vave nekururamaha --- venyu ngavafare

1

Mwari imi makandiziva, munoziva kugara kwangu nokusimuka kwangu

2

Munocherechedza kufamba kwangu, munoziva nzira dzangu dzose

3

Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, tarirai imi matoriziva rose

4

Kuziva kwenyu kunondishamia kwazvo, zviri kumusoro handigoni kusvikira kwazviri

5

Ndingaendepiko kuti ndibve pamweya wenyu, ndingatizireiko kuti ndibve pamberi penyu

6

Kwose kwose ruoko rwenyu runondifambisa, ruoko rwenyu rworudyi runondifambisa

7

Imi makaumba itsvo dzangu, makandiruka mudumbu ramai vangu

8

Ndakaitwa nomutoo unoshamisa, mabasa enyu makuru

Chorus

All Vasa-rudzwi venyu M: Vasarudzwi All Ngavafare vose

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.