Bhaibheri

Vava Pano Mambo

Catholic · Nziyo · 1101

D.T. Zavazava

Chorus

M: Vava pano Mambo V: S Uyai --- tivatende nokuimba Areruya B --- Tivatende nokuimba Areruya

1

Imbirai Mambo rwiyo rutsva, nokuti wakaita zvinhu zvose

2

Akazivisa kuponesa kwake, akaratidza pachena kururama kwake pamberi pamarudzi ose

3

Pururudzirai Mambo pasi pose, imbai nziyo dzokurubidza

4

Akarangarira ngoni dzake, nokutendeka kwake kunesu

5

Danidzirai muimbe nomufaro, makomo ngaaimbe pamberi paMwari

6

Migumo yapasi pose, yakaona ruponeso rwaMwari wedu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.