Bhaibheri

Yesu Akapa Mufananidzo Wavasikana Vane Gumi

Catholic · Nziyo · 1118

F.E. Shara

Chorus

M: S/A (a) Yesu akapa mufananidzo wavasikana vane gumi... (b) Mufananidzo wavasikana vane gumi ... Part 1: All Va-shanu vavo vakanga vakachenjera, vakatakura mafuta mumwenje nomumidziyo yavo, asi vamwe vashanu vakanga vari mapenzi, vakapererwawo namafuta, muwani asati asvika M: B Zvino kuzoti! x2 S/A Pava pakati pousiku vanhu vakadaidzira, chimuka-iii ---chimuka-ii, muchingamidzei B Pava pakati pousiku vanhu vaka-daidzira --- muwani wauya, chimukai, muchingamidzei

1

Mapenzi aya akakumbirawo mafuta kuna vaya vakachenjera

2

Tipeiwo mafuta mwenje yedu yava kudzima

3

Hatingakupei mafuta zvimwe haangazotiringani imi nesu

4

Chiendai mundozvitengerawo enyu

Chorus

All Pava pakati pousiku vanhu vakanzwa --- Part 2: M:S/A Pavakadzoka vakawana vamwe vavo vapinda mumutambo womuchato, muwani apfiga musuwo x2 All Pava pakati pousiku vanhu vakadaidzira, chimuka-iii ---chimuka-ii, muchingamidzei V: S/A Tenzi --- tizarurireiwo, Te-nzi tizarurire-i B --- Nhai Tenzi --- tizarurireiwo, Te-nzi tizarurire-i

5

Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handimbokuzivai

6

Naizvozvo ndinoti kwamuri, garai makagadzirira, garai makagadzirira

7

Ndinotizve kwamuri garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva kana nguva

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.