A.B. Muzividzi
Chorus
M: Yesu Kristo mununuri wangu V: All Makabaiwa mukabvisa matadzo edu ose, donatsai mweya womutadzi uno – uve mutsvene kwazvo
1
Ndipeiwo kuteerera nokuchengeta mitemo yenyu – ndigoita zvamunoda zvoga
2
Svinudzai meso angu ndione kuti rudo rwenyu rwakwanda sei
3
Itai kuti ndirege kuputirwa nemifaro yapasi pano inopfuura isina nechimuko chese
4
Mukufara muutambudzika, ivai neni Mambo
5
Ndinoda kufira mumaoko enyu ndive wenyu kwete zvino chete asi zvisingaperi
Chorus
All Donatsai mweya womutadzi uno – uve mutsvene kwazvo
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.