Bhaibheri

Yesu Makanakisa Makanakisisa

Catholic · Nziyo · 1148

N. Muchenu

Chorus

M: Yesu makanakisa-a makanakisisa V: S/A Yesu makanakisa-a muponesi wavanhu vose vose-e, ringirai kwatiri tapfugama tazviwisira pasi-i, peAritari yenyu yomwoyo inokotama tiri venyu-u, Yesu-u tinoda kuti tive venyu-u B Yesu makanakisa muponesi-i muponesi-i, ringirai kwatiri tapfugama tazviwisira pasi-i peAtari yenyu-u nomwoyo inokotama tiri venyu Yesu tinoda kuti tive venyu-u

1

Mwari Baba vedu muna masimba ose-e wadzanisai vanhu vose

2

Vave nechitendero chimwe chete-e vabatane muKirike renyu

3

Pindurai avo vasingatenderi-i shingisai vanokonona

4

Dzorai vatenderi vose munzira isiri iyo nokusaziva kana nokushaya simba

5

Itai kuti tose-e tigare savanna venyu-u

6

Tigogarisana sehana nehama sezvinodikanwa naKristo Mambo wedu

Chorus

S/A Nhasi-i tinozviteurira-a mumwe nomumwe wedu-u Kumwoyo wenyu musande-e kuti tisanganiswe-e nemi-i zvikuru B Nhasi-i tinozviteurira-a mumwe nomumwe wedu-u Kumwoyo wenyu musande-e kuti tisanganiswe nemi-i zvikuru

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.