J.L. Kaseke Chaleka
Chorus
M: S/A Yesu ndinokudai Yesu Yesu ndinokudai wadiwa V: All Chido, chamakandiratidza zvamakandishanyira-a, Chido, chakanyanya, chido chenyu Yesu, nyangwe ndiri mutadzi
1
Makandipa pfuma zhinji dzokusimbisa kuti mugondisandisa Mwana wenyu wadiwa
2
Baba vangu ndinotenda ndinofara kwazvo Ndokusiyai ndoenda munogara mandiri
3
Kwose kwose muriko mweya haukanganwi Kwose kwose munenii kana ndichikudai
4
Ndipei bhenedhikisiyone kuneni nokuna vamwe Kuti tsika dzedu dzose dzikudze imi Mwari
Chorus
All Chido, chakanyanya, chido chenyu Yesu, nyangwe ndiri mutadzi
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.