Sr E. Chinyani (LCBL)
Chorus
M: Yesu wangu-u waadiwa V: S/A Heyiyi, minamato yangu, hayai mabasa angu, hokuyi kufara kufara kwangu nokutambudzika kwangu kwanhasi, amai Maria Musande ngavatisvitsireiwo izvi kunemi, kuti zvose zvamunoda imi zvigoitwa nhasi B --- Minamato yangu, mabasa angu, hokuyii, kufara kwangu nokutambudzika kwanhasi, amai venyu Maria Musande ngavatisvitsireiwo izvi kunemi, kuti zvose zvamunoda imi zvigoita nhasi
1
Mwari wangu ndimi wandinoitira nhasi uno
2
Ndichifunga ndichitaura ndichibata basa
3
Itai kuti ndiswere nhasi ndisina kukutadzirai ndichiita zvamunoda
Chorus
S/A Amai Maria Musande ngavatisvitsireiwo izvi kunemi, kuti zvose zvamunoda imi zvigoitwa nhasi B Amai venyu Maria Musande ngavatisvitsireiwo izvi kunemi, kuti zvose zvamunoda imi zvigoitwa nhasi
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.