R. Augusto
Chorus
M Zvipo zvaMambo zvizhinji V: S/A Panazvo zvose zvipo zvenyu ichi chomuviri neropa renyu ndokuti imi pachenyu imi pachenyu chipo chinopfuura zvose B Zvipo zvipo zvenyu neropa renyu chipo chipo chipo chinopfuura zvose
1
Mambo mapinda mumoyo mangu chido chenyu chakanyanya
2
Munhu akandipa mvura yokunwa ndoti kwaari wazviita asi mvura chinhu chidukwana
3
Mambo kutenda kwangu kunobva kwaperevedzera kure kure
4
Kuuya kwenyu hakushamisi ini ndoga asi vangere vokudenga vanoshamiswa nazvo
5
Kuti iniwo zvangu chisikwa chenyama chinovingwa naMambo mukuru mukuru kudai
Chorus
S/A Mai vaYesu muri kudenga nemi mose vangere navasande ndibatsireiwo kutenda Mambo wedu uyo anorunako rusingagumi B Mai vaYesu muri kudenga nemi mose vangere navasande ndibatsireiwo kutenda --- uyo anorunako rusingagumi
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.