G. Gondo
Chorus
M: S/A Imi Mwari-i, ndinzwirei nyasha-a V: S/A Ndinzwirei nyasha imi Mwari-i, ndinzwirei nyasha, nokuti ndinotizira kwamuri, ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu, hongu ndichavanda mumumvuri, kusvikira njodzi, dzapfuura-a-a. B Mwari ndinzwirei nyasha, ndinzwirei nyasha, ndinzwirei nyasha-a, ndinotizira kwamuri, ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu, hongu ndichavanda mumumvuri, kusvikira njodzi, dzapfuura-a-a.
1
Ndinovata pakati peshumba, dzinofarira kudya nyama yavanhu.
2
Shumba dzine meno anenge mapfumo nemiseve, nendimi dzinenge bakatwa rinopinza-a.
3
Vakandidzikira mumbure, vachida kundibata, ndakasuwa zvikuruu ndakasuwa-a.
4
Vakandicherera hunza, asi ivo pachavo ndivo vakawira mukati mayo-o.
5
Moyo wangu wakasimba. Moyo wangu wakasimba, ndichaimba ndichikurumbidzai imi Mwari-i.
Chorus
S/A Ndinodaidzira kuna Mwari wokumusorosoro, Mwari vanondiitira zvose-e, vachatuma rubatsiro kuti vandiponese, ivo vacharwisa, vachikunda, mhandu dzangu-u. B --- Mwari vokumusorosoro, Mwari vokumusorosoro Mwari vokumusorosoro vachatuma rubatsiro, vari kudenga, ivo-o, vacharwisa vachikunda-a, mhandu dzangu-u.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.