C. Takura
Chorus
M: Jesu anonamata ari muGetsemani V: S/A Zvino akati kuvadzidzi vake --- garai pano, garai pano ndichambononamata B --- Akati kuvadzidzi vake ga-rai pano, garai-i-i, ndichambononamata Madetembo 1: 1.Akatora Pita, Jemusi naJohane akatanga kusuwa kwazvo nokutambudzika 2.Akati kwavari mweya wangu une shungu kwazvo kusvikira pakufa, rambai mugere pano makasvinura Madetembo 2: 1.Akaenda pamberi, ndokuwira pasi, akanamata achiti-i 2.Kana zvichibvira nguva iyoyi ngaimudarike-e akati Abha Baba munogona kuita zvose Chorus 2: V: S/A Baba munogona kuita zvose-e bvisai-i mukombe, bvisai mukombe, bvisai-i mukombe uyu pandiri-i, asi ngakurege kuva kuda, kwangu baba – ngakuve kuda kwenyu B Baba munogona kuita zvose kana zvichibvira – bvisai mukombe bvisai mukombe uyu Baba, kuve kuda kwangu asi ngakuve kuda kwenyu Chorus 3: M: S Svinurai munamate-e M: S/A Svinurai munamate-e murege kupinda mukuedzwa Svinurai svinurai – murege kuedzwa – namatai murege mukuedzwa B Svinurai munamatee-e svinurai munamate murege kupinda mukuedzwa Svinurai munamatee svinurai murege kupinda mukuedzwa Madetembo 3: 1.Zvino akadzoka akawana vakotsira akati kuna Pita Nhai Simoni ko makotsira here? 2.Ko matadza kusvinura kwenguva imwe chete zvayo here? Chorus 3: S/A Kuda mwoyo unoda hawo---asi nyama yakaneta (x2) B Mwoyo unoda hawo nyama yakanetaha-a-a Mwoyo unoda hawo-o asi nyama yakaneta.
1
Akadzokazve kechitatu akati kwavari, muchakangorara muchiramba henyu muvete, makazorora here?
2
Izvozvi zvakwana nguva yasvika mwana womunhu anokumikidzirwa mumaoko avatadzi
3
Simukai tiende tarirai hoyo anondipandukira uya wasvika
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.