Bhaibheri

Jobho Aiva Munhu Aitya Mwari

Catholic · Nziyo · 184

C. Teguru

Chorus

M: S/A Jobho aiva munhu aitya Mwari Aiva munhu aitya Mwari V: S/A Akanga ari mutsvene – tsvene akanga akarurama achinzvenga zvakaipa --- akawirwa nenhamo nematambudziko --- pakuparadzwa kwepfuma yake --- kwaiva kukuru kwazvo akatsungirira T/B Mutsvene – tsvene Jobho akarurama achinzvenga zvakaipa --- akawirwa nenhamo --- nematambudziko --- pakuparadzwa kwepfuma yake kwaiva kukuru kwazvo --- akatsungirira Detembo: S/A Satani akaedza Jobho akarwadzisa Jobho namaronda, maronda akaipa

Chorus

All Akatora chaenga chaaizvikwenya nacho akazvikwenga-kwenga nacho akazvikwenya nacho

1

Kwakauya nhume kuna Jobho ichiti; mombe, ngamera, madhongi vaSebhiya vakazvipamba vakauraya varanda namapakatwa

2

Kwakauya nhume kuna Jobho ichiti; vanakomana navanasikana venyu vakanga vari pakudya nokunwa waini dutu guru ndokuvhuvhuta rikavaparadza

3

Shamwari dzake dzakauya kwaari dzichindomubata maoko nokumunyaradza

4

Mwari akazopembedza Jobho nokumudzorera hutano, upfumi nevana

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.