A. Mugabe
Chorus
M: S/A Mwari wangu-u komboreraiwo vabereki vangu V: S/A Komborerai vabereki vangu-u vakandichengeta-a, kubvira ndichiri mudumbu-u nanhasi uno, vanotambudzika pamusoro paangu B Komborerai vabereki vangu vakandichengeta, kubvira ndichiri muna mai vangu, nhasi uno vanotambudzika pamusoro pangu
1
Ndinovada, ndinovatenda-a asi handigoni kuvakomborera
2
Vakandichengeta-a zvandaiva mucheche handaigona kuzvibatsira-a
3
Vapeiwo rupenyu rwakasi-mba nokudanana kukuru
4
Muvaregererewo zvivi zva-avo nemiwo zvo-ose zvandakavatadzira
5
Ndinoda kufadza nokubatsira vabereki vangu-u, sokugona kwangu kwo-ose
Chorus
S/A Mambo --- handigoni kuvadzorera zvose zvavakandiitira, imi moga-a ndimi munogona B --- Mambo handigoni --- zvoose, zvavakandiitira-a imi ndimi munogona
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.