Bhaibheri

Amuka Muvafi Afanoenda Gareriya

Catholic · Nziyo · 21

S. Kalombo

Chorus

M: S/A Amuka muvafi, afanoenda afanoenda afanoenda Gareriya B Amuka muvafi afanoenda afanoenda Gareriya V: S/A Rakati Sabata rapfuura kwoedza nezuva rechiposhi revhiki Maria Magadharena nomumwe Maria vakauya kuzotarira kuguva --- Pasi paka- dengendeka kwazvo nokuti Angere waMambo akanga oburuka kudenga, Angere waMambo akanga oburuka. T Sabata rapfuura zuva rechiposhi revhiki Maria Magadharena nomumwe Maria vakauya kuzotarira kuguva pasi paka-dengendeka kwazvo nokuti Angere waMambo akanga oburuka kudenga, Angere waMambo oburuka. B Sabata-a rapfuura zuva rechiposhi revhiki Maria Magadharena nomumwe Maria vakauya kuzotarira kuguva pakarepo-o Angere waMambo akaswedera ndokubvisa zidombo riya-a achirikungurutsa origarira

1

Ainge mheni kutarisika kwake, mukutarisika kwake-e, ainge mheni kutarisika kwake.

2

Zvipfeko zvake zvainge zvakachena samazaya echando, mazaya echando.

3

Kumuona kwavo kwakabva kwabvundisa vanyakugarira guva ndokubva vawira pasi sokunge vafa, sokunge vafa-a.

Chorus

M: Asi inzwi raAngere kunamadzimai vaya-a, rakati-i V: S/A Musatya zvenyu ndinoziva muri kutsvaga Yesu akanga aroverwa pachipiyaniso haasiri pano haasiri pano amuka Kristo mupenyu. Amuka zviro kwazvo amuka amuka sezvaakareva --- Amukaa zvirokwazvo --- amuka amuka Kristo mupenyu B Huyai muone paakanga aradzikwa mhanyai munoudza vadzidzi vake –e kuti Kristo amuka muvafi aenda kuGareriya ndiko-o kwamuchandomuona huyai muone Kristo amuka. Huyai muone-e zvaainge areva huyai muone Kristo amuka huyai muone Kristo mupenyu. T Huyai muone-e Huyai muone-e Huyai muone-e paakange aradzikwa huyai muone Kristo amuka, amuka Kristo mupenyu. (Huyai ) muone-e Kristo amuka huyai muone zvaainge areva (Huyai) muone-e Kristo amuka huyai muone Kristo mupenyu

4

Mundovaudza aenda kuGareriya ndiko kwamuchandomuona iri ndiro-o dama rangu kunemi.

5

Vakakurumidza kubva paguva zvongobatanidza kutya nokufara kukuru nokuti Kristo amuka muvafi.

6

Vakamhanyira kundozivisa vadzidzi vake kuti Kristo amuka mupenyu.

Chorus

M: S/A Vakasvika paari ndokumumbundira vachimupfugamira nokumurumidza endai munoudza-a vehama dzangu izvi. B Ndokumbundira tsoka dzake iye ndokuvati-i regai kutya endai munoudza-a vehama dzangu kuti vaende Gareriya ndiko kwamuchanondiona. T Vakamupfugamira-a ndokumbundikira tsoka dzake-e iye Yesu ndokuti kwavari-i endai munoudza hama dzangu izvi.

7

Hezviya Yesu akasangana navo ovakwazisa ivo vakamupfugamira B: ivo vakamupfugamira

8

Vakasvika munyasi make ndokumbundikira tsoka dzake-e iye Yesu B: tsoka dzake-e iye Yesu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.