Bhaibheri

Kutya Mwari Pakuyedzwa

Catholic · Nziyo · 241

J.V.Chinondo

Chorus

M: S/A Kutya Mwari pakuyedzwa V: S/A Kana uri anozvipira kuitira Mwari basa fanoziva kuti uchayedzwa asi kutya Mwari kunoita kuti mwoyo wako utsige urege kukurumidzira zvinhu kana zvaipa kutya Mwari panguva yekuyedzwa mwanangu itya Mwari B/T Kana uri anozvipira kuitira Mwari basa --- itya Mwari --- panguva yokuyedzwa --- itya Mwari urege kukurumidzira zvinhu kana zvaipa. Kutya Mwari panguva yokuyedzwa mwanagu itya Mwari

1

Vose vanogamuchirwa naMwari vonooneswa zvavari

2

Vimba naye achakubatsira ruramisa makwara ako utarire kwaari

3

Imi munotya Mwari mirirai tsitsi dzake

4

Vanotya Mwari tendesekai naye hamuzorasikirwa nomubairo

5

Imi munotya Mwari ivai nechitarisiro chezvakanaka, nechengoni norufaro rusingaperi

6

Ndiani anovimba naMwari akazoraswa

7

Zviri nani kuti tiwire mumaoko aMwari pane mumamoko avanhu

8

Zvichemyi imi makarasa mwoyo muchaita sei kana Mwari auya

9

Mwari ndiye anotiregerera zvatakamutadzira anoponesa varikutambudzika

10

Kukura kwakaita ukuru hwaMwari ndiko kwakaitawo tsitsi dzake

Chorus

S/A Iti kwati naMwari usarasane nayewo itikwati naMambo kuti ugosimudzirwa nezuva rokuguma kwako B/T Iti kwati naMwari --- iti kwati naMambo kuti ugosimudzirwa nezuva rokuguma kwako

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.