Fr F. Masanganise
Chorus
M: S/A Magariro akanaka, magariro emhuri V: B Madzimai --- zvininipisei panavarume venyu --- zvinokodzerana nomunhu muna Tenzi --- varume --- vakadzi venyu musave norushusho kuvakadzi venyu, imi vana --- vabereki venyu-u --- nokuti ndizvo zvinofadza Tenzi. S/A --- Madzimai --- zvininipisei panavarume venyu --- sezvazviri izvo zvinokodzerana nomunhu muna Tenzi.Imi varume idai vakadzi venyu --- musave norushusho kwavari -- teererai vabereki venyu muna zvose --- zvinofadza Tenzi.
1
Vana Baba musashatirise vana venyu vangadaro vakarasa moyo
2
Imi varanda teererai muna zvose,vanhu vanenge vari vaTenzi venyu pasi pano
3
Kwete zvekubata vanhu kumeso-o savanhu vokungoda kufadza vanhu.
4
Sezvamunoziva kuti muchagamuchira nhaka somubairo wenyu
5
Nekuti Tenzi Kristo ndiye wamuri kushandira
6
Ndinodaro nekuti muiti wezvakaipa achawana mubairo wake pasina zvesaruro.
Chorus
S/A Zviitei nomoyo mumwe chete mutye Tenzi chipi nechipi chamunoita chiitei nomoyo wose nokuti munoshandira Tenzi kwete vanhu B Zviitei nomoyo mumwe chete mutye Tenzi, chipi nechipi chamunoita chiitei nomoyo wose --- munoshandira Tenzi munoshandira Tenzi
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.