Sr Martin Chikosha (LCBL)
Chorus
M Mai vemuponesi, ponesai mweya yedu Ponesai mweya yedu V: S/A Mai vemuponesi kubva kumbiri yenyu tarirai vana venyu tiri munhamo huru, muri kusiririswa nenhamo dzedu here --- revererai mweya yedu B Mai vemuponesi kubva kumbiri yenyu --- vana venyu tiri munhamo huru, muri kusiririswa nenhamo dzedu here amai revererai mweya yedu
1
Tirikutya kuuya kune mwana Yesu pamusana pezvitema nezvinyangadzo zvedu
2
Mukumbirireiwo isu kuti tisunungurwe pamusana peropa romwana wenyu rakadeurwa
3
Unonunura isu nokunyaradza Yesu kana muchitirevererera tinochengetwa naye
4
Yesu achakanganwa kumunyangadzira kwedu kana mukatireverera imi
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.