Bhaibheri

Mai Vemuponesi Ponesai Mweya Yedu

Catholic · Nziyo · 266

Sr Martin Chikosha (LCBL)

Chorus

M Mai vemuponesi, ponesai mweya yedu Ponesai mweya yedu V: S/A Mai vemuponesi kubva kumbiri yenyu tarirai vana venyu tiri munhamo huru, muri kusiririswa nenhamo dzedu here --- revererai mweya yedu B Mai vemuponesi kubva kumbiri yenyu --- vana venyu tiri munhamo huru, muri kusiririswa nenhamo dzedu here amai revererai mweya yedu

1

Tirikutya kuuya kune mwana Yesu pamusana pezvitema nezvinyangadzo zvedu

2

Mukumbirireiwo isu kuti tisunungurwe pamusana peropa romwana wenyu rakadeurwa

3

Unonunura isu nokunyaradza Yesu kana muchitirevererera tinochengetwa naye

4

Yesu achakanganwa kumunyangadzira kwedu kana mukatireverera imi

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.