Bhaibheri

Makandinyukura Mambo

Catholic · Nziyo · 273

C. Takura

Chorus

M Makandinyukura Mambo mumvura zhinji Kudavira & Chorus: S/A Makandinyukura Mambo mumvura zhinji Mambo makandinyukuraa, makandinyukura Mambo makandinyukura, mumvura zhinji Mambo makandinyukura B Mambo makandinyukura Mamboo, makandinyukura Mamboo, mumvura zhinji Mamboo makandinyukura, mumvura zhinji

1

Mambo ndinokudisai ndimi simba rangu Mwari ndimi dombo rangu. Mambo makandinyukura

2

Pakutambudzika kwangu ndakadanidzira kunaMwari ndikadanidzira kunaMwari wangu. Mambo makandinyukur

3

Akanzwa izwi rangu kuteterera kwangu kwakasvika munzeve dzake Mambo makandinyukur

4

Ipapo nyika yakazungunuka ikadedera, nheyo dzamakomo dzakadengeneka Mambo makandinyukura

5

Akakotamisa kudenga-denga akaburuka nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake. Mambo makandinyukura

6

Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore matema akapfuura Mambo makandinyukura

7

Mwari akatinhira kudenga-denga wokumusoro-soro akataura namarimi omoto. Mambo makandinyukura

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.