D.T. Zavazava
Chorus
M: Mambo Kristo V: All Tinokurumbidzai tinokuomberai mununuri
1
Ndimi Mambo waIsraeri nomwanakomana waDavid
2
Ndimi Mambo makauya muzita raMwari Baba
3
Vangere vari kukuimbirai kuuzuru
4
Vanhu vose nezvisikwa zvose zviri kubvumira
5
VaHebero vakakupembererai namashizha
6
Tinokupembererai isu nenziyo dzedu
7
Vakakupembererai musati matambudzika
8
Isu tinokupembererai imi makamuka
9
Mambo imi munofarira chete zvakanakisa
10
Tambirai minamato yedu yatinopira
Chorus
All Hosana imi makaomberwa navadiki
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.