E.N.M. Dhliwayo Chimuti
Chorus
M: Mambo V: All Mambo vava pano M: Uyai V: All Tivatende nokuimba M: No-ku-imba V: All Nokuimba Areruya e Areruya
1
Imbirai Mambo rwiyo rutsva, nokuti wakaita zvinhu zvose
2
Akazivisa kuponesa kwake, akaratidza pachena kururama kwake pamberi pamarudzi ose
3
Pururudzirai Mambo pasi pose, imbai nziyo dzokurubidza
4
Akarangarira ngoni dzake, nokutendeka kwake kunesu
5
Danidzirai muimbe nomufaro, makomo ngaaimbe pamberi paMwari
6
Migumo yapasi pose, yakaona ruponeso rwaMwari wedu
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.