R. Tonganai
Chorus
M: S/A Mambo wakandinyukura V: S/A Wakandinyukura mumvura zhinji Mambo Mambo wakandinyukura Alleluya Alleluya Mambo wakandinyukura B Wakandinyukura mumvura zhinji Mambo Mambo wakandinyukura Alleluya – Alleluya Mambo wakandinyukura
1
Mambo ndinokudisai ndimi simba rangu Mwari ndimi dombo rangu
2
Pakutambudza kwangu ndakadanidzira kuna Mwari ndikadanidzira kuna Mwari wangu
3
Akanzwa izwi rangu kuteterera kwangu kwakasvika munzeve dzake
4
Ipapo nyika yakazunguzuka ikadedera nheya dzamakomo dzakadengenyeka
5
Akakotamisa kudenga denga akaburuka nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake
6
Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore matema akapfuura
7
Mwari akatinhira kudenga denga wokumusorosoro akataura namarimi omoto
Chorus
All Mambo wakandinyukura Alleluya-a Alleluya Mambo wakandinyukura
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.