N. Muchenu
Chorus
M: S/A Mambo wedu Yesu gamuchiraiwo V: S/A Gamuchirai kutenda kwedu-u, pamusana pezvipo zvose zvamakatiwanira-a taungana takakomba chigaro chenyu nomwoyo unotenda-a, makatiponesa munjodzi tinokudai Mambo, tinokutendai Mambo Yeso-o nokusingaperi. B Gamuchirai kutenda-a pamusana pezvipo-o zvamakatiwanira Mambo wedu – taungana takakomba chigaro chenyu nomwoyo unotenda-a, makatiponesa-a tinokudai Mambo-o, tinokutendai nokusingaperi.
1
Tinoisa rudo norupenyu rwedu mumaoko enyu tichikuonai nokukuitirai nomuna vamwe vedu.
2
Tipeiwo kubatana nomweya tigokuhwidza moto wechido chaMwari kwose kwose tigonyaradzawo vari munhamo nomumumvuri worufu.
3
Tigoneseiwo kundodziisa vakatonhorwa uye kudzorera upenyu kumweya yakauraiwa norutadzo.
4
Tipeiwo chitendero chinomutsa mwoyo yedu kuita zvikurukuru pamusana paMwari nokuponeso rwavamwe vanhu tisingakononi.
Chorus
S/A Tipeiwo chitendero Mambo chakasimba sedombo, chisingazunguziki-i chinotigonesa kutsunga nokudekara munhamo nomuzvigumburiso zvoupenyu, chitendero chinotungamirira tsoka dzedu munzira yorugare. B Chitendero Mambo chakasimba-a, chisingazunguziki chitendero chinotigonesa kutsunga-a nokudekara-a munhamo dzose chitendero chinotungamira tsoka dzedu munzira yorugare.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.