Bhaibheri

Mambo Yesu Anovimbisa

Catholic · Nziyo · 382

R. Tonganai

Chorus

Part 1: M: Mambo Yesu anovimbisa kuuya kwamweya mutsvene V: All Zvino ndoenda ndoenda kuna Baba vangu ndichadzoka kwamuri asi handikusiyiyi muri nhereraha kwete ini ndichakumbira kuna Baba vangu kuti vakupei mweya unoera mweya munyaradzii mweya musimbisi anozogara nemi

Chorus

All Gamuchiraiwo mweya unoyera mweya munyaradzi mweya musimbisii kuti agokutungamirirai kusvikira rini narini

1

Nezuva irero Yesu akamira pamberi pavadzidzi vake akati rugare ngaruve nemi

2

Akavaratidza zvanza zvake naparutivi pake akatizve kwavari rugare ngaruve nemi

3

Ini ndakapiwa masimba ose okudenga napasi naizvozvo endai mundodzidzisa marudzi ose avanhu Part 2:

Chorus

M: Mweya mutsvenehe uri mandiri V: All Mweya mutsvenee uri mandiri ndosaka ndichigona kuparidzira vamwe dama roruponeso nokusimudzira mweya yavakarukutika mumoyo yavo Detembo: 1.Ndosaka ndichigona kunzwira vamwe tsitsi nokubatsirawo vanoshaya

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.