F.K. Dzingai
Chorus
Part 1: M: S/A Mambo Yesu pakukwira kwenyu kudenga V: S/A Yesu Mambo pakukwira kwenyu kudenga hamu-na ku-siya sangano gu-ruu ravatenderi-asi makasiya boka dukusa. B: Mambo Yesu kudenga hamuna ku-si-ya sangano-asi makasiya boka dukusa.
1
Mambo chikundai utera nousimbe hwedu
2
Tionesei mumamisha edu vanhu vanomirira munhu angavasvitse kwamuri
3
Asi wose anosimbira zvangu pamberi pavanhu – nenivo ndichasimbira zvake pamberi paBaba vangu vari kudenga. Part 2:
Chorus
S/A Zadzai matiri shoko renyu rinoti V:S/A Tinozviona zuva nezuva kuti simba rekupindusa vamwe rinobva kwamuri. Vachapinduka chete vanoona fananidzo matiri. B Tinozviona kuti simba rokupindusa vamwe rinobva kwamuri – vachapinduka avo chete fananidzo yenyu matiri Part 3:
4
Nyangwe rakafanokura sei zvaro basa rokupindusa nyika yose rirege kupe-ra
5
Nanhasi munotituma isu-u kundoparidzira vatsauki nevahedheni rudo rwenyuu
6
Itai kuti ti-rege kunyima vamwe ruponeso rwataka-itirwa nemi.
Chorus
S/A Vachapinduka chete vanoona fananidzo yenyu matiri B: Vachapinduka avo chete fananidzo yenyu matiri
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.