L. Kaseke
Chorus
M: S/A Maria Goreti tireverereiwo V: S/A Tireverereiwo Mariya Goreti murwiri woutsvene, makatsunga kusarudza kufa pano kutadzira Mwari, tireverereiwo kuna Mwari-i, tive norutsungo urwu, kuti tisasvibisa hutsvene hwedu B Tireverereiwo Mariya Goreti murwiri woutsvene, makatsunga kusarudza kufa pano kutadzira Mwari, tireverereiwo, kuna Mwari-i, tive norutsungo urwu, kuti tisasvibisa hutsvene hwedu
1
Makati kumuedzi wenyu kundiuraya unogona, asi handidi kutadzira Mwari
2
Makagona kukunda chiedzo, nokuti makada Mwari nokunamata
3
Chitibatsiraiwo isu, kuti tide Mwari tigonamata zvakanaka
4
Itai kuti tive vanhu vanoremekedzwa pasi nokudenga nemisi isingaperi
Chorus
All Tireverereiwo kuna Mwari-i, tive norutsungo urwu, kuti tisasvibisa hutsvene hwedu
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.