N. Muchenu
Chorus
M: S/A Maria musande hosi yorugare Tembere yaMwari mutsvene V: S/A Amai vaMwari mudziviriri weAfrica napasi pose makapa pasi chiedza chaicho mwana Jesu kubva mukuterera Baba kwenyu makatipa kuregererana, kuyanana, rudo uye mufaro, tungamirirai nzira yedu yokutendeuka kuti Jesu aonese mbiri yake matiri muAfrica tirambe tiri munyu wapasi nechiedza chenyika mazuva ose orupenyu rwedu B Hosi yorugare tembere yamweya mutsvene, makapa pasi Jesu Kristo. Mufaro , rudo noruenzaniso rwedu iye shoko roupenyu, ndiye chingwa choupenyu, nzira yedu, tungamirirai kuti Jesu aonese mbiri yake Africa tirambe tiri munyu wapasi mazuva oseo rupenyu rwedu.
1
Tinopira gadziriro, hurukuro nemichero yeSinodhi yechipiriyomuAfrica mumaoko enyu amai
2
Murevereri wenyu amai ngaatiwanirwe nyasha tigone kuregerera titevedzere Kristo anoti Baba varegererei havazivi zvavari kuita, amai vorunzwisiso
3
Kana munhu asina rudo anozvifunga achivenga hama yake ndizvo zvinounza hondo nokumukirana kwamarudzi, amai vorunzwisiso
4
Hakuna rugare pasina ruenzaniso uye ruenzaniso pasinawo ruregerero, amai vorunzwisiso
Chorus
S/A Tiratidzei Kristo yanano norugare rwedu atipe girasiya atirape mavanga tose, tishandire kuuya kwoumambo hwaMwari, mazwi nezviito zvedu zviparidze kuti Kristo kubwinya kwaBaba akamuka muvafi vanhu vamhanyire kuruvheneko nechiedza chake vagokudza zita raMwari Baba vari kudenga B Hosi yorunzwisiso tiratidzei Kristo mwanakomana wenyu atipe girasiya atirape mavanga tishandire kuuya kwoushe hwaMwari, mazwi nezviito zviparidze Kristo kubwinya kwaBaba akamuka-a vanhu vamhanyire kuchiyedza chake vagokudza Baba-a, Baba vari kudenga
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.