A. Chamunorwa
Chorus
M: Marudzi ose akaita rudzi rumwe chete V: S Mwari pachake ndiye rugare rwedu akaita marudzi ose kuti ave rudzi rumwe chete A Mambo Mwari wedu pachake wangotipinzawo marudzi ose kuti ave rudzi rumwe chete B Dai Mwari wedu wangotipinzawo rudzi mugwara ave rudzi rumwe chete
1
Pururudzirai Mambo nyika dzose, muitirei Mambo nomufaro, uyai pamberi pake muchiimba nokufara
2
Zivai kuti Mambo ndiye Mwari, ndiye akatiita tiri rudzi rwake, makwai edanga rake
3
Pindai pamasuwo ake muchimutenda, rumbidzai zita rake muchiti, mazviita
4
Chokwadi Mambo akanaka kwazvo, rudo rwake ruzere netsitsi, akatendeka kumarudzi namarudzi
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.