Bhaibheri

Mashoko Okudzoka KwaYesu Ngaatinyaradze

Catholic · Nziyo · 425

N. Muchenu

Chorus

M: S/A Mashoko okudzoka kwaYesu ngaatinyaradze M: S/A Hama dzangu hatidi kuti imi muore mwoyo nezvavaya vakafa sezvatinotenda kuti Yesu akafa akamukazve naizvozvo nomuna Yesu Mwari achamutsa vanhu vose vakafa vachitenda kuna Mambo Yesu vachauya pamwe chete naye vachauya kana iye ouya. B Hama dzangu hatidi kuti muore mwoyo nezvavaya vakafa zvatinotenda kuti Yesu akafa akamuakazve naizvozvo nomuna Yesu Mwari achamutsa vanhu vavete munaShe vatendi vaYesu vachauya naYesu vachauya kana iye ouya. All Parts:Nyarara kuchema S/A Vanhu vakafa vari muna Mwari voose vavete hope vachatanga kumuka isu tinenge tasara tichiri vapenyu tozobvutwawo naMambo tichindobatana navo kudenga kwatichazondogara narini narini. B Vanhu vose vakafira muna Mwari vavete hope vachatanga kumuka isu tasara vapenyu tozobvutwawo naMambo tichindobatana navo kudenga kwatichazondogara kudenga narini wose.

1

Vadikanwi zivai nezvavakafa muve netariro nechivimbo kuti musarasa mwoyo.

2

Iye Tenzi pachake achaburuka achidaidzira nezwi guru izwi guru romutumwa.

3

Isu vapenyu hatichazotangiri vaya vakafa kumuka

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.