Bhaibheri

Mhoroi Vasande

Catholic · Nziyo · 439

A. Marashauta

Chorus

M: Mhoroi vasande-e murikudenga-a V: S Mhoroi vasande imi muri kudenga mhoroi vasande mutireverere kuna Yesu Kristo B Mhoroi vasande-e muri kudenga mhoroi vasande mutireverere kuna Yesu Kristo

1

Kare maigara pano,muchitambudzwa nasatani, asi makamukurira, nesimba raMwari

2

Vamwe vashamwari vedu, vari vana veKirike

3

Vanotambura mumoto, muvanzwire-e ngoni

4

Kuti tifare kudenga, naMaria navasande

5

Isu ngatiwane tsitsi, pamusi wokufa

Chorus

S/A Baba vaimbirwe naye Yesu Kristo nomweya musande-e vose pamwe chete-e B --- Vaimbirwe naye Yesu-ho Kristo nomweya musande vose-e pamwe chete

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.