Bhaibheri

Baba Vano Rudo

Catholic · Nziyo · 44

J.V. Chinondo

Chorus

M:S/A Baba vano rudo-o-o V:S/A Muvavariro yenyu yekutizivisa nezveupenyu husingaperi makatuma mwanakomana wenyu Yesu Kristo kuti asvitse vanhu vose kuumambo hwenyu --- tinokukumbirisai kuti musimbaradze vanhu venyu mubasa ravo rokuparidza dama dama rakanaka kumarudzi ose avanhu munyika yedu ino yeAfrica B/T --- Muvavariro – muvavariro yenyu makatuma mwanakomana kuti asvitse vanhu kuumambo hwenyu --- tinokumbirisa kuti musimbaradze vanhu venyu mubasa ravo nokuparidza da-a-ma rakanaka kumarudzi ose avanhu munyika yedu ino yeAfrica

1

Pane kusaaziva mupe ruzivo

2

Pane kutyaa mupe kushinga

3

Pane udzvinyiriri mupe ruenzaniso

4

Pane kurwisana mupe rugare

5

Tinokukumirai izvi nomuna Yesu Kristo Mambo wedu Amen

Chorus

S/A Dai mweya mutsvene angotitungamirirawo mukugadzirira nzira dzokuparidza shoko raMwari kuti vanhu vose vomuno muAfrica vave vateveri venyu uye tivadzidzise kuti vazive vagokwanisa kutevedzea zvose zvamakati-tsidzira B/T --- Dai Mweya mutsvene angotitungamirirawo nzira dzokuparidza shoko raMwari --- vanhu vomuno muAfrica vave vateveri venyu tivadzidzise kuti vazive vagokwanisa kutevedzera zvose zvamakatitsidzira

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.