Bhaibheri

Mimba YaMaria Yakakomborerwa

Catholic · Nziyo · 441

H.M. Gambiza

Chorus

M: Mimba yaMaria yakakomborerwa V: S Yakakomborerwa mimba yaMaria yakakomborerwa yakatakura Mambo wedu Yesu B Yakakomborerwa mimba yaMaria yakakomborerwa --- Mambo wedu Yesu

1

Vakaropafadzwa ivo vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta nokurichengeta

2

Ani nani anoita kuda kwaMwari ndiye munun'na wangu namai vangu

3

Mwoyo wangu unokudza Mambo mweya wangu wakafara naMwari muponesi wangu

4

Akaratidza simba rake noruoko rwake akaparadza vaizvikudza

5

Akabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvoushe akaadukupisa

6

Vane nzara akavagutsa nezvakanaka akadzosera vapfumi vasina

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.