Bhaibheri

Muchandipupurira

Catholic · Nziyo · 451

J.K. Dzingai

Chorus

M: Muchandipupurira V: S/A Kana mweya musande achinge auya kwamuri muchazondipupurira muYerusarema nemuYudheya yose nomuSamariya nyangwe nokumiganhu yapasi, nokumiganhu yapasi B/T Kana mweya musande achinge auya, muchazondipupurira muYerusarema nemuYudheya nomuSamariya nokumiganhu, miganhu yapasi

1

Yesu wakauya akamira pakati pavadzidzi vake mumba mavakange vari

2

Akati kwavari rugare ngaruve nemi

3

Sokutumwa kwandakaitwa naBaba ndinokutumaiwo

4

Chiendai henyu kwandakutumai

5

Musaende nemari kana homwe yozvokudya

6

Iri yose imba yamunenge mapinda

7

Tangai mataura kuti rugare ngaruve

8

Vamwe vanhu vachiona Yesu vakakonona asi vamwe vakamupfugamira

9

Yesu akapiwa simba rose rokudenga napasi

Chorus

All Muchandipupurira muchava zvapupu nokumiganhu yapasi

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.