Bhaibheri

Mukudzwe Mambo Jesu

Catholic · Nziyo · 463

A.K. Malunga

Chorus

M: S/A Mukudzwe Mambo Jesu Mwanakomana waMwari V: S/A Nguva dzose kana tichiita mupiro wedu-u, nokugamuchira mabiko enyu matsvene, tinogoveraniswa nohupenyu hwenyu, hupenyu-u hwaMwari. B Nguva dzose kana tichiita mupiro mukuruhu, nokugamuchira mabiko enyu matsvene --- tinogoveraniswa hupenyu hupenyu-u hwaMwari.

1

Jesu imi munotida norudo rusingaperi

2

Imi Mwanakomana waMwari mupenyu mukudzwe, mukudzwe Mambo.

3

Kristo mununuri wenyika nomuponesi wedu-u, muponesi wed-u.

Chorus

S/A Nhasizve matipa zvokudya izvi zvoupenyu-hu. Simbisai zvakanaka zviri mukati medu. Simbisai zvakanaka zviri mukati medu-u muparadze zvakaipa-a. B Nhasizve matipa zvokudya izvi zvoupenyu-hu. Simbisai zvakanaka simbisai zvakanaka mukati medu-u muparadze zvakaipa-a.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.