Bhaibheri

Munamato WaYesu Nyakuzvipira

Catholic · Nziyo · 467

J.K. Dzingai

Chorus

M: Munamato waYesu nyakuzvipira V: S/A Zvino ndava kuuya kwamuri, ndichitaura izvi ndichiri pasi pano kuti kufara kwangu kwose kuzere, kuve kwenyuwo, ini ndakavapa dama renyu naivowo vakabva vavengwa navadisi vezvapasi B/T Ndava kuuya kwamuri ndichitaura ndichiri pasi, kufara kwangu kuzere, kuve kwenyuwo imi, ini ndakavapa dama renyu naivowo, vakabva vavengwa navadisi vezvapasi

1

Havasiri ivo voga vandiri kunamatira

2

Ndinonamatira naivowo vachaitiswa nedama renyu kuti vanditevere

3

Pasi pachaziva kuti ndimi nyakundituma

4

Imi makavada sokuda kwamakandiita

5

Vamakanditurira ndakavachengeta

6

Hakuna kana nomumwe wavo wakatsakatika

7

Kusiya uyo wakakambirwa kuti atsakatike

8

Kuti zviri mumagwaro zviitike

Chorus

All Ndakavapa mbiri yamakandipa kuti vave vamwe chete sesu tiri vamwe chete ini mavari nemiwo mandiri

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.