Bhaibheri

Musoro Wakatsvuka

Catholic · Nziyo · 496

F.K. Mukanyi

Chorus

M: Musoro-ho, musoro wakatsvuka Musoro wakatsvuka V: S/A Musoro wakatsvuka neropa – musoro wakatsvuka maronda – wakagadzwa nendaza yeminzwa B Musoro wakatsvuka neropa – wakatsvuka-ha maronda wakagadzwa nendaza yeminzwa

1

Ropa rose rabuda pamuviri wose unorwadziwa kwazvo pam'sana pavanhu

2

Runako rwakapera namaronda chete munogara pamuti saishe wembavha

3

O'mwana mumwe chete waMwari mukuru munozvidzwa navanhu munonyombwa navo

4

Ari pameso chido chinotitarisa – muromo wonamata --- Baba varegerere

Chorus

S/A Musoro wakarwadziwa-a, womwana waMwari, wandiri kukwazisa-a, nemisodzi nemisodzi yangu B Musoro wakarwadziwa-a, womwana waMwarihi, wandiri kukwazisa-a, nemisodzi misodzi yangu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.