R. Zinyohwera
Chorus
M Baba vetsitsi ndinokutendai nomoyo wangu wose V:S/A Ndimi makanaka kwazvo mabvisa mhosva dzangu mandipa rugare rwandakarasa rudo rwenyu haruna mugumo B --- Makanaka kwazvo mabvisa mhosva dzangu dzose mandipa rugare --- nokutadza kwangu rudo rwenyu haruna mugumo
1
Nesakaramende iro rorupinduko masimbisisa mweya wangu nomoyo wangu kuti ndigokurira zviedzo zvose.
2
Ndinonyanyokutarisira rubatsiro rwenyu mundivandudze nesimba ramweya wenyu musande anogara mandiri.
3
Maria amai vaMwari vadiwa namai vanguwo imi ndireverereiwo.
4
Angere muchengeti wangu garai paneni mundichengete mundidzivirire-e zvakaipa zvose.
Chorus
S/A Ndipei kuteerera kuraira kwenguva dzose ndirege kuvhunduka kutonga k wenyu nguva yokufa kwangu B --- Kuteerera kuraira kwenyu ndibatsirei --- kuvhunduka kutonga kwenyu nguva yokufa kwangu
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.