Sr Lioba Gana (LCBL)
Chorus
M: S/A Mutumwa waMwari akati kuna Maria V: S/A Kwaziwai sakunatswa, nezvipo zvomwoyochena wenyu Tenzi anemi. Maria pakunzwa shoko iri akatya nazvo, asi mutumwa waMwari akati usatya hako Maria-a Tenzi anewe. Uchapona mwana mukomana ugomutumidza zita rokuti Jesu, iye achakudzwa zvikuru-kuru. B --- Sakunatswa, nezvipo zvomwoyochena wenyu Tenzi anemi. Pakunzwa shoko iri akatya nazvo, mutumwa waMwari akati usatya hako Maria-a Tenzi anewe. Mwana mukomana ugomutumidza zita-a rokuti Jesu --- achakudzwa zvikuru-kuru.
1
Tenzi Mwari achamupa chigaro chatateguru vake David.
2
Nokuti iye achatonga pachigaro chemba yaJakobo narini.
3
Ini ndichiri mhandara zvinhu izvi zvingaitike seiko?
4
Mweya anoera achagara pauri.
5
Ipapo simba raMwari richava newe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.