Bhaibheri

Mvura Yechitubu

Catholic · Nziyo · 513

P. Masamba

Chorus

M: Mvura yechitubu V: All Mvura yechitubu inoti tonho ichipedza nyota, mvura yechitubu inopedza nyota yomuviri chete Part 1: Madetembo: 1.Mambo ndimi chitubu chezvikomborero zvose-e 2.Ndimi chitubu chezvikomborero zvose-e kudaro nyota yomweya wangu Mambo inopedzwa nemi chete

Chorus

S/A Kuda kufunga nokurangarira kwangu kose kunofanira kunanga imi mo- oga zvikuru ndichirongedzera kukugamuchirai B --- Kuda – nokurangarira kwangu kose kunofanira kunanga i-mi zvikuru ndichirongedzera – gamuchirai Part 2: Madetembo: 1. Ini pachangu hapana chandingagona kuita asi ndichibatsirwa nemi-i-i Mambo hapana chandingatadza 2. Moyo wangu ungazopisa-a uchisuwira imi-i-i mumisi yose yorupenyu rwangu

Chorus

S/A Vesai Mambo vesai moto-o vesai Mambo vesai moto wechido-o-o mumoyo mangu B --- Mambo vesai moto Mambo vesai Mambo vesai-i-i mumoyo mangu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.