Bhaibheri

Mwari Baba Munoziva Zvose

Catholic · Nziyo · 538

S. Takawira

Chorus

M: S/A Mwari Baba munoziva zvose V: S/A Ndinogona kuvanza zvikanganiso zvangu nezvivi zvangu pamberi pavanhu asi handigoni kuzvivanza-a, kuzvivanza pamberi penyu B Ndinogona kuvanza zvikanganiso zvangu, nezvivi pamberi --- asi handigoni, kuzvivanza kuzvivanza pamberi penyu

1

Ndauya pamberi penyu-u kuzokumbira ruregerero nesimba

2

Simba rokusimuka ndichienda mberi nomutowo wakarurama

3

Ndibatsireiwo kuti ndifambe noutsvene nechokwadi nenduramo

4

Izvi zvinopiwa nemi moga uye zvinogona kuchengetwa nemi moga

Chorus

All Inzwai Mambo inzwai munamato wangu Inzwai Mambo nokuda-a kworudo rwenyu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.